Evangelist P.D. Chiweshe - Mufambiro Wakaora

Cross Before Crown TV
Cross Before Crown TV
181.3 هزار بار بازدید - 5 سال پیش - The late Evangelist P.D Chiweshe
The late Evangelist P.D Chiweshe vachishandiswa naMwari kuunzwa mweya yevazhinji kunashe. Vazhinji mazuva vave kufamba mufambiro wakaora unonyangadza pamberi pashe asi mukana uchiripo wekuti munhu atendeuke agamuchire Jesu ave chisikwa chitsva. Komborerwai MUFAMBIRO WAKAORA Genesis 6 vrs 5 Kungotsikwa nemunhu ne mistake, chinokurumidza kubuda i putseki than sorry; Mukomana akangowana ka chance kekusara ega pamba pevabereki, chinokurumidza kufungwa kudana musikana ku Spare kwake. Ndinorwadziwa ne pfungwa dzevanhu vane ndangariro dzakabatwa na satani. Pane vanasikana vari kubatwa chibharo kunyange nababa vake chaivo, pane madzimai ari kurwara nezvirwere zvinoda mari zhinji etc, asi unoona mamwe madzimai achironga protest march yekodzero yekuda kufamba vakashama. Bhaibheri rinoti Mukadzi ngaapfeke zvakafanira, aine kunyara nekuzvidzora; zvino vamwe zvavava kuratidzira kuti tinoda kufamba vakapfeka ma Mini skirt chii ichocho.? Munhu wese anonamata Mwari haafaniri kusekerera kuora kwoita nyika uku. Tsve ku protester against Rape; child abuse, kudzvanyirirwa kwemadzimai nevarume vavo, kusapihwa mikana yakaenzana kumabasa nevarume asi vanhu vanopedza nguva yavo; mari yavo etc vachironga kodzero yekufamba vachiratidzira ma body parts avo. Isu sema Kristu hatitenderi zvakadaro and we condemn maitiro akadaro zvachose chose. Mwari havazvidi saka nesuwo hatizvidi. Ndinonamatira wese akapinda muchiitiko ichi kuti atendeuke uye Mwari vamunzwire nyasha
5 سال پیش در تاریخ 1398/07/17 منتشر شده است.
181,390 بـار بازدید شده
... بیشتر